Proverbs 12

1Ani naani anofarira kuzvirovedza anoda zivo,
asi uyo anovenga kudzorwa ibenzi.
2Munhu akanaka anowana nyasha kubva kuna Jehovha,
asi Jehovha anotuka munhu ane mano akaipa.

3Munhu haangasimbiswi nezvakaipa,
asi mudzi womunhu akarurama haungadzurwi.

4Mudzimai ane unhu hwakanaka ikorona kumurume wake,
asi mudzimai anonyadzisa akafanana nokuora mumapfupa omurume wake.

5Urongwa hwomunhu akarurama hwakarurama,
asi kurayira kwavakaipa kunonyengera.

6Mashoko owakaipa anovandira ropa,
asi kutaura kwavakarurama kunovanunura.

7Vanhu vakaipa vanobviswa pachigaro uye havazovapozve,
asi imba yowakarurama icharamba yakasimba.

8Munhu anorumbidzwa maererano nouchenjeri hwake,
asi vanhu vane pfungwa dzakatsauka vanozvidzwa.

9Zviri nani kuva munhu anoninipiswa asi iwe une muranda,
pane kuzviita munhu wapamusoro iwe usina zvokudya.

10Munhu akarurama ane hanya nechipfuwo chake,
asi zviito zvakanaka zvowakaipa utsinye.

11Uyo anoshanda mumunda wake achava nezvokudya zvakawanda,
asi uyo anongotevera zvisina maturo anoshayiwa zivo.

12Vakaipa vanopanga zvakapambwa zvavanhu vakaipa,
asi mudzi woakarurama unobereka zvibereko.

13Munhu akaipa anobatwa nokutaura kwake kwakaipa,
asi munhu akarurama anopunyuka padambudziko.

14Kubva pazvibereko zvemiromo yake munhu anozadzwa nezvinhu zvakanaka,
zvirokwazvo sokupiwa mubayiro kwaanoitwa nebasa ramaoko ake.

15Nzira yebenzi inoita seyakanaka kwaari,
asi munhu akachenjera anoteerera kurayira.

16Benzi rinoratidza kutsamwa pakarepo,
asi munhu akachenjera anoshayira hanya kutukwa.

17Chapupu chezvokwadi chinopa uchapupu hwezvokwadi,
asi chapupu chenhema chinoreva nhema.

18Mashoko anotaurwa nokusarangarira anobaya somunondo,
asi rurimi rwomunhu akachenjera runoporesa.

19Miromo yezvokwadi ichasimbiswa nokusingaperi,
asi rurimi runoreva nhema runogara kwechinguva chiduku.

20Mune kunyengera mumwoyo yaavo vanoronga zvakaipa,
asi rufaro rwuri kune avo vanokurudzira rugare.

21Akarurama haangatongowirwi nezvakaipa,
asi vakaipa vachava namatambudziko akavafanira.

22Jehovha anovenga miromo inotaura nhema,
asi anofadzwa navanhu vanotaura chokwadi.

23Munhu akachenjera anovanza zivo yake,
asi mwoyo yamapenzi inotaura zvoupenzi.

24Maoko anoshingaira achatonga,
asi usimbe hunopedzisira mukushanda somuranda.

25Mwoyo unopunyaira unoremedza munhu,
asi shoko nyoro rinomufadza.

26Munhu akarurama anochenjerera ushamwari,
asi nzira yavakaipa inovatungamirira mukurasika.

27Munhu ane usimbe haagochi mhuka yaabata,
asi munhu anoshingaira anokoshesa pfuma yake.

28Munzira yokururama mune upenyu;
kwainoenda hakuna rufu.
Copyright information for SnaBDSC